Read more

 TAIDA


Edmore Gwanzura (Prof G)+263773434749


Chitsauko 2


   VaMujakari vaive vagere vachidziya moto nevanasikana vavo vaviri, Tambudzai naShylet uye kazukuru kemakore manomwe. Chirariro, vainge vabuda machiri karesa, iye zvino vakanga vowawaya mhandire vachitandara kuri kusesedza nguva vasati vanorovera matama pasi. Tambudzai ndiye aive mukuru uye panguva iyi akanga ava nemakore adzoka kumurume ndokuuya nemwana wake ainzi Solomon. Uyuwo Shylet akanga achiita fomu yetatu paSekondari yeMwami.

   VaMujakari vaive kakadzi katete, karefu uye kane uso hurefu nemeso maduku aimhanya mhanya seemhou. Murume wavo Chivhima ainge akaenda kwamupfiganebwe makore mazhinji akanga apfuura, vakatozoyarutsa vana vave voga, chikoro ndokuvaendesa nemari yebindu ravairima kurwizi Mwami. Vainge vakakwanisa kuendesa vana vavo vose kuchikoro, uyu Tambudzai ndiye akanga akatizira achangopedza fomu yechina iyo yaakazongoteverwa nemaU ave kumurume.

   Wepiri aive Charles uyo ainge akabuda zvakanaka pafomu yechina ndokuenda kuKorichi yeHarare kunodzidzira basa rokugadzira motokari, panguva iyi akanga oshanda samakanika. Wetatu aive Mavis uyo akabuda zvakanaka pafomu yetanhatu ndokuenda kuUniversity of Zimbabwe achiita dhigiri reSociology. Wechina aive Shylet achidzidza makare mavo mumusha.

   “Kana kuri kukanga chibage chete, aiwa muzukuru wangu uri mberi, mbirimi chaiyo pauzima. Nemakore masere iwaya wave kuziva kutsvukirisa chibage kudai?” VaMujakari vakadaro vachinokora mhandire dzainge dzakuturirwa mubhavhu rokushambira maoko. “Ichi chowokanga iye zvino ndinoda kuti chisangane nenzungu, unotora dzandatonongora masikati mukicheni pandiro yakapfidigira pfuko pahuva. Unokanga dzose muzukuru wangu, kana zvasara ndizvo zvandinosausa nazvo mukanwa, vanamai vako vave kunonoka kubika bota mazuvano.”

   “Iiihh amai, nhasi makadzifunga zvedi mhandire!” Tambudzai akadaro achibva akwepura chikwee! “Kanga mwanangu, gogo nhasi vakaita kugarwa neshavi rokudya maputi. Chinzwa zvino kutipomera isu mhosva yokunonoka kubika poriji, vakanganwa kuti mwana wavo haachatumiri shuga zvaaisiita mazuva ose asati atizirwa.”

   “Ibvapo, iwe hausi kudya mhandire dzacho zvaunodaro?” Vakabva vaseka ndokutsvinya zve vachiti, “Bva, chamadya iwe nemunun’una wako chakwana, ichi chinokangwa iye zvino ndechedu tiri vaviri nemuzukuru wangu, ndiko kuti mupfidze kushaya mukanwa. Shuga yaunoreva, yakapera riini iyo yakatumirwa nebhazi raKajongwe vhiki nhatu dzapfuura?”

   “Mave kupedzera shungu kwatiri?” Tambudzai akadaro achibva agagadira kuseka achirovana maoko naShylet. “Sekai muri kumurega achiita madiro aJojina muKaroi umu, shuga neMazowe hazvichauyi amai imi. Munoti shuga yakaguma kuuya vhiki nhatu dzapfuura, hamuzivi kuti patove nemwedzi apa, dzatove svondo ina.”

   “Ndeapi madiro aJojina aanoita? Dai anga achiita zvaanoda Mavis angadai achikugara ikoko?”

   “Ko, angagodii, Mavis munhu asina basa nezvakawanda ka uya, chaanoda chikoro chake bedzi, munoti dai taivesu vanamai Solo taigarisana? Zvichida ndingadai ndakadzoka pamusha kare kana kuti iye ndiye angadai akaenda kwavo rakacheka nyika.”

   “Uchitiza pamba pehanzvadzi yako uchidzoka pano pamusha? Unotaura Seiko iyewe, wave kupenga su? Zvingaitika izvozvo? Iye anotoiziva nyaya yacho ndomhaka asiri kugunzva Mavy.”

   Shylet akabva aipindirawo. “Iiiihh, amai munongodaro zvenyu, ko, sei musingadi kuti ndiende kunodzidzawo kudhorobha? Munomutya imi Sekai, munofunga kuti zvinondifadza kuti ndidzidze muno muruzevha ini ndiine hanzvadzi inogara mudhorobha ichishanda basa rakanaka?”

   VaMujakari vakakekedza karukuwee ndokuzotaura mushure. “AnaShylet, ndianiko wamunoda kutaurira nemadimikira saZanda? Ingotii munoda kuenda kunodzidza dhorobheni chete apa, kwete kuda kundipomera ugwara hwandisina. Uyu Mavis paakaenda ikoko ndimi Makati aende? Handisini here? Kusaenda kwako handina kuti handingagari ndoga pano? Tambudzai zvake zvichazivikanwa here? Murume wake anogona kuzongoti mudzimai wangu ngaadzoke.”

   “Aahh, amai, sisi amai Solo vave nemakore mangani vadzoka? Haasi kutokwana matatu here? Vakadzoka gore raenda Mavy kuUniversity ka ava, yeukai kuti tave muna 1986. Makagodini makati ndichiendawo ipapo?”

   “Tibvire apa, uchiendepi iye Charisi anga achangotangawo kushanda? Uchaenda zvako kana wapedza fomu 4, panguva iyoyo Mavy anenge apedzawo dhigiri rake ombozorora ari pano pamusha, kwete…” vakaganhurwa naSolomon akadanidzira achinongedza kunzira yaifamba nemotokari kubva kumugwagwa mukuru kuuya pamusha pavo.

   “Gogo, honai magetsi ayo, inenge mota iri kuuya kuno!”

   Vose vakati meso jee ikoko, Shylet ndokuti, “Ehe nhai. Ko, zvainenge yamukoma Charles wani? Teererai munzwe kutinhira kwayo.”

   VaMujakari vakabva vatsvinya vachiti, “Kubva riini achiuya usiku hwakadai? Izvo zvandataura kuti uchazoendawo dhorobha, ndizvo zvazara mupfungwa dzako ka Shai?”

   “Chinenge chokwadi amai,” Tambudzai akadaro akaringa kunzira ikoko. “Tarirai ka muone zvayave pedyo, handiti munoiona iyo? Ndiyo kani, ngativatambirei, shuga nemupunga zvauya.”

   Pakarepo vose vakanyanduka ndokumhanyira kumotokari kuya, kana naSolomoni, akanga abura chiwaya ndokusiya angochiti kwangwari pakadaro zvekuti chibage chakabva charasikira munhika mechoto. Mufaro wavaive nawo wakadzimuka apo vakaona mumwe wevainge vauya nemotokari iyi achiburuka bhegi riri mumaoko uku misodzi iri mbunyenye mumatama.

   “Ko, Mavisi zvaunenge uri kuchema?” Tambudzai ndiye akabvunza achitambira bhegi.

   Pakarepo Mavis wacho akabva awedzera kuhwihwidza pasina kudavira zvaakanga abvunzwa. VaMujakari ndivo vakazomhanyira kudivi remutyairi ndokubvunza vachiti, “Kwaitikei ko nhai Charisi? Rwendo rwenyu rwakanaka irworwu?”

   “Bvunzai mwana wenyu azvitaurire oga amai!” Akadaro achidzika mumotokari.

   “Chii nhai Mavis mwanangu? Misodzi yaunosvika uchieredza pamusha ndeyei? Pano pano, vanhu vanoungana vachiti tagamuchira mariro.”

   “Ndadzingwa amai! Ndadzingwa naamaiguru Sekai kani amai, atachimendi ndatosiira panzira ini. Dhigiri rangu harichaperi, ndakatamburireiko pose apa chokwadi?” Iye zvino akanga ochema achidudza mazwi uku akabata gotsi nemaoko ose.

   “Charisi, ari kuti kudii Mavis? Unomunzwa zvaanoreva? Haudaviri neiko? Warega mukadzi wako achidzinga mwana kuti zvadii?” Vakainaisa mibvunzo VaMujakari.

   “Mavy usafarisa, wave kurevera mwana wevanhu nhema, Ndiye akudzinga kana kuti ndini?”  

 “Wati kudii?” VaMujakari vakadaro vachibata Charles mutsipa weshati. “Wadzinga mwana ari pachikoro kuti zvaita sei? Ndiudze ndisati ndakukanganisa mhanje mhanje.”

   “Amai ndiregei kani nditange ndagara pasi, nyaya ingataurwa takamira here kudai?”

   Ipapo Tambudzai akabva aganduka achimuregedzera mbama. “Putseki! Ndosaka chichitongwa nemukadzi, wadzingirei munin’ina wangu?”

   Charles uyo akanga ashama nezvakanga zvaitwa nehanzvadzi yake, akamboramba akati tumbi uku akabata dama. Akazotaura nezwi nyoro nyoro achiti, “Amai munoona vana venyu? Ikoku kujaidza kwamunovaita ndiko kunoita kuti vadzoke kuvarume. Tambudzai angarova murume mukuru akaita seni?”

   “Murume akaita sewe kudii? Ndikupamhe zvekare? Uri murume mukuru pachii kana uchidzinga mwana waamai vako asi chimwe chihure chiri pwasha mumba imomo? Uri imbwa isina muswe Charles, imbwa chaiyo inoti hu hu hu!”

   “Ndokurova Tambudzai!” Akadaro achikatanura maoko aamai vake. “Ndakukurova mhanje!”

   “Yowee! Unondisasamhura maoko wave kuda kundirova here Charisi?” VaMujakari vakadaro vachipfumba zvibhakera. “Chiuya uite faiti neni, kuda kundirovera kamukadzi kako kane ngozi youpfambi? Uchabatiswa mwana asiri wako nekupusa ikoko? Ndaiona kungwara pauso ndikati hekani, zvino hapana zvandakaita chokwadi, zvakangofanana nekuti ndine vanasikana voga.”

   Charles nehasha akafambisa achidzokera kumotokari, vose vachibva vamuti mome senyuchi dzinounganira zimai radzo. Akatoita simba guru kwazvo kuti akwanise kubuda mavari, akazopinda zvake mumotokari asi zvibhakera akanga anzwa nazvo kumusana nekugotsi. Amutsa motokari, amai vake vakabva varara mberi kwayo kuda kumudzivira nzira.

   Achiona zvadaro akadzoka neruvhesi akanyatsotsika mafuta zvekuti kana navo pavakazomuka vakatadza kuibata. Ava vasikana ndivo vakanga vasara vamire vachitukirira zvose, chakasara musi uyo chaive nemudzimu wacho. Vaiita kushandurana vose vari vatatu, Solomoni ndiye aichema achiedza kutsiura amai vake asi akazobvapo apwatidzwa nembama yemheni.

   VaMujakari vaona kuti vakanga vatadza kuita zvavaida vakamira vakatarira kumugwagwa ikoko vachipopota. “Mwana wandakanzwira kudzimba inini, ndikapinza chikoro Chivhima afa ndiye anganditemesa musoro? Hazvigoni! Ndati bodo, hazviitike izvozvo. Ndiri kuuya Dhorobheni ikoko, mira uone, potse potse kutosvikirana. Mavy ndiye munhu ari kuzodzoka mhanje, ini nekakadzi kako ikako tinoda kuona mukuru.” 


**Vasati vaveko, uyaiwo kuFacebook page rangu rakanzi Prof G Novels.


#ndakadaira

Prof G